VaMangudya Vanoti Mutemo weStatutory Instrument Wakanangana neNhubu Chete

  • Blessing Zulu

Doctor r John Mangudya

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vanoti gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vakavavimbisa kuti mutemo wechimbi chimbi weStatutory Instrument 127 uchabata chete avo vanoshandisa zvisizvo mari yepamusika weRBZ Foreign Currency Exchange Auction, vanotengesa mari pamukoto uye vasingaendese mari kumabhanga vachidzichengetera mudzimba.

Musangano uyu wakaitwa neChitatu mushure mekunge VaMangudya vaburitsawo mazita emakambani gumi nemasere anonzi akashandisa mari yaakawana kuRBZ nemutengo uri pasi zvisizvo. Makambani aya ari kunzi abhadhare muripo.

VaMangudya vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti vakaita musangano nevemabhizimisi asi vakati vange vari mune mumwe mumusangano nekudaro vange vasina kusungunuka kutaura zvizhinji.

Masangano akawanda emabhizimisi anosanganisira reZimbabwe National Chamber of Commerce, Confederation of Zimbabwe Industries, Employers Confederation of Zimbabwe nemamwe ari kushora mutemo uyu achiti uri kuvaomesera sezvo vasingakwanise kuwana mari pamusika wemari yekunze weRBZ sezvo iripo iri shoma.

Vanoti vanotowana mari ichidhura pamukoto uye havangakwikwidzane nevari kuwana mari nemutengo uri pasi kuRBZ. Vamwe vakatoenda kumatare vachikwikwidza mutemo uyu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDenford Mutashu