VaMnangagwa Vosvitsa Gore Vachitungamira Kubva Vasarudzwa Asi Paine Makakatanwa muNyika

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Nhasi kwapera gore kubva mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora mhiko yekuti vatungamire nyika kwemakore mashanu mushure mesarudzo dzakaramba kutambirwa nebato guru rinopikisa reMDC Alliance richiti dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Asi dare repamusoro soro reConstitutional Court rakati MDC yainge isina kuripa humbowo hwakati tsvikiti hwekuti rirase zvakabuda musarudzo. Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International nhasi raburitsa mashoko kuvatori venhau richiti hurumende yaVaMnangagwa iri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya.

Amnesty International inoti kunze kwekukundikana kugadzirisa nyaya dzezvehupfumi, hurumende iri kumbunyikidza vanu zvakanyanya nekuvarambidza kuratidzira ichingoshandisa nzira dzimwe chete nedzaishandiswa nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Sangano iri rinoti apo VaMnangagwa vopinda mune rimwe gore vachitungamira, uyu mukana wekuona kuti hurumende yavo yaremekedza kodzero dzevanhu.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vati VaMnangagwa vakwanisa kuita zvinhu zvakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaEnergy Mutodi

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, nhasi tabata mutauriri webato rinopikisa reMDC VaDaniel Fortune Molokela avo vati VaMnangagwa vakudikana zvine nhoroondo.

Vati chinopa kuti nyika iite seyakageza negoka munyama kutonga nedemo kwaVaMnangagwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDaniel Fortune Molokela