VaMadzokere veMDC Vakachenurwa paMhosva yeKuponda Mupurisa Vorambwa neMudzimai

  • Blessing Zulu

VaTungamirai Madzokere

Imwe nhengo yeMDC Alliance ichangobva mukuchenurwa nedare repamusoro soro reSupreme Court pamhosva yekuponda mupurisa kuGlen View muna 2011 VaTungamirai Madzokere vakaudza vatori venhau muHarare neMuvhuro kuti pavakadzoka kumba vakaona mudzimai nevana vavo vaenda nemumwe murume zvinova zvinhu zviri kuvashungurudza zvikuru.

Vati mudzimai wavo akasiya musha muna Mbudzi gore rapera asi vakati vanozvinzwisa sezvo vange vapedza makore akawanda vari mujeri.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko aVaTungamirai Madzokere


VaMadzokere vange vachipika mujeri kuChikurubi neimwe nhengo yebato ravo VaLast Maingehama.

Gweta ravo Amai Beatrice Mtetwa vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vaudza vatori venhau kuti painge paine humbowo hwekuti VaMaingehama vainge vatori mukereke pakafa mupurisa uyu.

Amai Mtetwa vati mapurisa aingokumba vatsigiri vose veMDC asi vasingaferefete nyaya yacho. Vati zviri kutika kumatare zvinoratidza kuti kwanyanya kuitwa zvematongerwo enyika nevamwe vatongi.

Studio 7 yakatumira mibvunzo kugurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi uye gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe asi vose vange vasati vapindura mibvunzo yacho nezve nyaya iyi.

Rimwe gweta raVaMazdzokere navaMaingehama VaCharles Kwaramba vaudza Studio 7 kuti vari kuda kumbopa vaviri ava nguva yekuti vafunge kuti votora danho ripi pane vakavazora mafuta enguruve yavasina kudya.

VaMaingehama, VaMadzokere naMuzvare Yvonne Musarurwa vakazobatwa nemhosva yekuponda nemutongi wedare repamusoro VaChinembiri Bhunu muna 2016 ndokuendeswa kujeri reChikurubi.

Muzvare Musarurwa vakaburitswa muhusungwa muna 2018 mushure mekupihwa ruregerero nemutungamiri wenyika pakaburitswa vamwe vasungwa.

Asi mumwe ainge anziwo ane mhosva, Muzvare Rebecca Mafukeni akashaya ari mutirongo akamirira kutongwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaCharles Kwaramba