VaMadhuku Vanoti Sarudzo Ngadziitwe Muna 2023

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Lovemore Madhuku

Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti bato ravo haritsigiri danho rekuti sarudzo dza2023 dzimbomira kuitwa kuti munyika muiitwe nhaurirano.

Mashoko ekuti sarudzo dzimbosendekwa parutivi aya ari kubva kubato rinoDouglas Mwonzora.

VaMadhuku vati kuda kuita izvi kunenge kwave kufanana nekupidigura hurumende nekuti muna 2023 nguva yevakasarudzwa inenge yasvika kwamvura yacheka makumbo.

Vatiwo ivo ndivo vakatosarudzwa kumiririra bato ravo musarudzo idzi kunyangwe vachiti zvinogona kubviswa pakongiresi yavo iriko munZvita. Vatiwo vane chido chekuti vakwikwidze mumatunhu ose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLovemore Madhuku