VaMadhuku Vanoti Bato Ravo Harisi Kuzopinda Musarudzo dzemaBy-Elections

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Lovemore Madhuku.

Mutungamiri webato rinopikisa reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vanoti bato ravo harisi kuzopinda musarudzo dzemaby-elections dziri kuitwa musi wa 26 Kurume.

VaMadhuku vaudza Studio 7 kuti bato ravo harina mari nekudaro zvakakosha kuti vamboumba bato nekutsvaga vamwe vatsigiri vozokwikwidza musarudzo dzemuna 2023.

Sarudzo idzi dziri kutsiva nhengo dzeMDC Alliance kunyanya dzakadzingwa mubato neMDC-T inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora uye dzange dzave nenguva dzisina kuitwa hurumende ichiti zvaikonzerwa nechirwere cheCovid-19.

Asi vanopikisa vanoti hurumende yaingohwanda nemumwe ityityora bumbiro remitemo.

Sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa munzvimbo zana nemakumi matatu nematatu dziri dzemakanzura nenhengo dzedare reparamende.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku