VaKhaya Moyo Votsiura Va Terrence Mukupe Nemashoko Avakataura Pamusoro peMauto

Terrence Mukupe

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaSimon Khaya Moyo vanoti mutevedzeri wegurukota rezvehupfumi VaTerrence Mukupe vakakanganisa zvakanyanya apo vakaudza vanhu kuti mauto haasi kuzotenda kuti mutungamiri weMDC-T VaNelson Chamisa vatungamire vakakunda musarudzo.

Vanoti bato ravo re ZANU PF uye hurumende hainei nechekuita nemashoko aya vachiti VaMukupe vakataura mashoko asingamiririri zvido zve musangano wavo.

VaKhaya Moyo vati mashoko aVaMukupe anozvidza mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vanotungamira mauto zvekare. Vatiwo zvavakataura zvinotyora bumbiro remutemo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaMukupe sezvo vanga vakabatikana patakataura navo panharembozha asi mumwe mutsigiri weZANU PF Doctor Frank Guni vanoti musangano wavo wakazvipira kupa masimba kubato ripi kana ripi zvaro rinenge rakunda musarudzo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Doctor Frank Guni

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaitawo musangano kwamMarange paMafararikwa vachivimbisa kuti vanhu vane nzvimbo dzine zviwanikwa zvakaita seMangoda vanofanira kuwana chouviri kubva mazviri.

VaMnangagwa vakange vachiparura gadziriro yekuvaka nhandare yemitambo yeThe St Noah Sports Centre.

Vatiwo chinangwa chehurumende yavo ndechekuti nyika izadze matura vanhu vachiwana chekudya.