Vanorarama neHurema Vokurudzirwa Kuita Mitambo

  • Safari Njema

Nyanzvi mumutambo wevanorarama nehurema, we wheelchair racing, Va Elfod Moyo, vanoti zvakakosha kuti vakaremara vapote vachikwikwidza mumitambo kuitira kuti vave nehutano hwakanaka, uyewo kuti vawane mari mune mimwe mitambo inokwikwidzwa.

VaMoyo, avo vane makore makumi mana nematatu ekuberekwa, vakaremara makumbo ese uye vanofamba nemadondoro. Ndivo mukuru wezvemitambo pachikoro chevakaremara cheDanhiko muHarare.

VaMoyo, avo vane mudzimai nevana vaviri, vakatanga mutambo we wheelchair racing sekutamba vachine makore gumi chete ekuberekwa, vakatoona chiri chinhu chavaikwanisa kuita kupfuura vamwe.

Va Moyo vanoti vakawanawo kurudziro yekuramba vachienderera mberi nemutambo uyu kubva kune murungu aive nyanzvi avanoyeuka nezita rake sa Rob.

VaMoyo, avo vanogara nemhuri yavo paDanhiko pakare, vanoti vakaremara vanoita mitambo yekukwikwidza vanofanira kunzwisisa kukosha kwekushanda nesimba, kwete kutarisira kuti zvinhu zvingoitika zvega vasingatsvage mazano kubva kune vamwe.

Vanotizve chiri kunyanyokanganisa mumitambo yevakaremara, kushayikwa kwezvinhu zvekushandisa, sezvo zvichidhura munyika.

Amai Molly Parirewa, avo vane makore makumi matanhatu ekuberekwa, vave nemakore akawanda vachishanda samukoti pa Danhiko, uye vachiona VaMoyo vachikwikwidza. Vanoti izvi zvinokurudzira vechidiki vakaremara kuti vatambe mitambo yakasiyana siyana, vachiva vanhu vane tarisiro yakanaka muhupenyu.

Knowledge Munogweyi mukomana wechidiki ane makore gumi nemasere akaremara gumbo rekuruboshwe, uye anofamba nemadondoro. Hakuna akaremara pa Danhiko anokunda mukomana uyu anobva kwaChivi mumitambo inoti wheelchair basketball, wheelchair slalom nekutuhwina.

Munogweyi anoti mitambo yekukwikwidza inoita kuti vakaremara vechidiki vakure vane hunhu hwakanaka vasingapindwe nemiyedzo yekushandisa zvinodhaka kana kushaya zvinangwa muhupenyu.

Sachigaro wemasangano ose evanorarama nehurema, uye vari zvekare sachigaro we Danhiko Paralympic Games, VaGodfrey Majonga, vanoti veruzhinji vakuenda vachiyemura mitambo yekukwikwidza yevakaremara.

VaMajonga, avo vanova zvakare sachigaro veZimbabwe Media Commission, vanoti zvakakoshawo kuti veruzhinji nevemakambani, vanofanira kubatsira pakutsvagwa nekutengwa kwezvinhu zvakasiyana siyana zvinoshandiswa nevanorarama nehurema mumitambo ekukwikwidza.