Sangano remagweta reInternational Bar Association, kana kuti IBA, raburitsa gwaro rinoratidza kuti zvinhu muZimbabwe hazvina kumira zvakanaka kunyange hazvo pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa.
IBA inoti vakaoma musoro muZanu-PF ndivo vari kuvhiringidza hurongwa hwekugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika izvo zvava kupa kuti kuitwa kwesarudzo dzakachena chive chiroto munyika.
Sangano iri rinoti nyaya yemhirizhonga, kusungwa kwevasingawirirane neZanu-PF, pamwe mashoko eruvengo, zviri kuenderera mberi munyika.
Gwaro iri rinotiwo masangano eSADC, African Union, European Union, pamwe neUnited Nations, anofanirwa kusunga dzisimbe mukumanikidza Zanu-PF kuti ivandudze zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika.
Sangano iri rakurudzira kuvandudzwa kwehofisi yemuchuchusi mukuru wenyika, pamwe nevatongi kuitira kuti pasapindire nyaya dzezvematongerwo enyika.
Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti mashoko eIBA haana chaanobatsira nekuti yagara inoshora bato ravo.
Asi mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti IBA yabaya dede nemukanwa.