VaJoe Biden Vokurudzira Kubatana Muzuva Ravo reKutanga Kutungamira America

VaJoe Biden

Vakasarudzwa kuva mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakatora mhiko yekutungamira nyika nemusi weChitatu muWashington DC pachiitiko change chakatariswa nevakawanda pasi rose

Asi vasati vatora mhiko, mutevedzeri wavo Amai Kamala Harris vapindawo munhoroondo semutevedzeri wemutungamiri wenyika wechidzimai wekutanga uye vari mutema vane mumwe mubereki wekuAsia.

Mukuru weWomen's Academy for Leadership and Political Excellence Muzvare Stabile Dewa vanoti kusarudzwa kwaAmai Harris kunopa tariro nechivimbo kumadzimai ose epasi rino anoda kupinda munyaya dzezvematongerwo enyika.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vakabva vatura mashoko kunyika vachikurudzira kubatana.

VaBiden vashora vanhu vakaita mhirizhonga padare guru renyika reCapitol Hill vachitsigiri vaive mutungamiri wenyika aDonald Trump avo vairmba kutambira zvakabuda musarudzo vachiti izvi hazvifanire kudzokororwa.

Mutungamiri wenyika akurudzirawo vanhu kuti vabatane mukurwisa chirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vanodarika zviuru mazana mana kana kuti 400 000.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vachishanda nesangano reHuman Rights Wath vati mashoko aVaBiden akakosha zvikuru uye vakari nyaya yerusaruraganda inofanira kumiswa muAmerica.

Asi kekutanga mumakore akawanda, hapana kunyatsotambidzanwa masimba sezvo VaTrump vari kuramba kutambira zvakabuda musarudzo.

Munhoroondo yeAmerica yekugamuchidzana masimba, zvakagumisira kuitwa muna 1869 nevaive mutungamiri wenyika VaAndrew Johnson kuramba kuenda panotoreswa mhiko vainge vasarudzwa kutungamira nyika VaUlysses S. Grant.

Pazvakaitika zvekare muna 1921 zvakakonzerwa nehurwere hwaVaWoodrow Wilson vakakundikana kuona VaWarren G. Harding vachitoreswa mhiko semutungamiri wenyika.

Kunyangwe VaTrump vasina kuuya pakugadzwa kwaVaBiden, mutevedzeri wavo VaMike Pence vange varipo nedzimwe nhengo dzedare remaRepublicans.

Vamwe vaimbova vatungamiri venyika yeAmerica vanoti VaGeorge Bush, VaBill Clinton naVaBarack Obama varipo pakugadzwa kwaVaBiden. Vasina kuuya pavaive vatungamiri venyika ndiVaJimmy Carter nekuda kwekurwara.

Nekuda kwekutyira mhirizhonga kubva kuvatsigiri vaVaTrump, muWashington DC makazara mauto, nemapurisa. Muimbi ane mukurumbira Lady Gaga ndiye aimba national anthem uye vamwe vaimba ndiJennifer Lopez na Garth Brooks.

Mangwanani anhasi VaBiden nevakuru vebato ravo remaDemocrats nerinopikisa remaRepublicans vaenda kukereke yeSt Johns Episcopal Church vasati vaenda kuCapitol Hill.

VaTrump nezuro vakatura kunyika mashoko avo ekuoneka asi havana kudoma VaBiden nezita uye havana kutambira kuti ndivo vakakonzera mhirizhinga yakaitwa nevatsigiri paCapitol Hill iyo vari kunzi vakapesvedzera.

VaTrump vakataurawo nezvavanoti vakakwanisa kuita mumakore mana avaitungamira zvinosanganisira kugadzirisa hupfumi hwenyika, kusimbisa miganhu yenyika, kuona kuti nhomba yeCovid-19 yagadzirwa nechimbi chimbi nezvimwe.

VaTrump vasimuka mangwanani anhasi vakananga kuFlorida uko vanenge vave kuenda kunogara. Asi vasati vasimuka, vaonekana nevatsigiri vavo past Andrews Airforce Base muMaryland vakavimbisa kuti vachadzoka.

NeChipiri vachishandisawo masimba avo ehutungamiri wenyika, VaTrump vakaregerera vanhu zana nemakumi mana nevatatu vanosanganisira chipangamazano chavo VaSteve Bannon, vaimbi Lil Wayne naKodak Black asi havana kuzviregerera ivo nemhuri yavo sezvaifungidzirwa nevamwe.

Munhoroondo yeAmerica panyaya dzekuona mafungiro evanhu pahutungamiri kana kuti mapolls, VaTrump ndivo chete mutungamiri asina kukwanisa kusvika pakufarirwa nevanhu vanodarika zvikamu zvishanu kubva muzana kana kuti 50%.

Mushure mekutora mhiko, VaBiden vari kutarisirwa kubvisa mimwe mitemo yakadzikwa naVaTrump vachishandisa masimba avo semutungamiri wenyika kusanganisira munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, mamiriro ekunze uye kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Live Talk