VaJob Sikhala Voronga Kuendesa VaKazembe Kazembe kuMatare Vachiti Vari kuVasvibisa

  • Blessing Zulu

VaJob Sikhala

Mutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance VaJob Sikhala vanoti vari kuzoendesa gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika VaKazembe Kazembe kumatare ezdimhosva nekwavanoti kusvibiza zita ravo vakaramba vakasimba nerekuti vane hurongwa hwekupidigura hurumende.

VaKazembe vakataura mashoko aya kuvatori venhau muHarare svondo rapera vakakomberedzwa nevakuru vemauto nemapurisa vachiti vainge vanzwa runyerekupe rwekuti pane vari kuda kupidiguru hurumende vanosanganisira VaSikhala naVaSaviour Kasukuwere avo vaimbova gurukota rehurumende uye vave muhupoteri.

VaSikhala vanoti VaKazembe vari kungotaura zvisina humbowo uye kuda kuhwanda nemumwe kwehurumende iri kutadza kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehupfumi. Hatina kukwanisa kubata VaKazembe kana VaKasukuwere sezvo nharembozha dzavo dzange dziri kudairwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJob Sikhala