VaCyril Ramaphosa Voshanyira Zimbabwe

  • Blessing Zulu

VaMnangagwa, VaRamaphosa naVaPaul Kagame vekuRwanda

Mutungammiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vari kutarisirwa kutungamira makurukota avo kuZimbabwe kunoita hurukuro dzekudyidzana nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter uye mumashoko neIndependent On Line, vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muhurumende yeSouth Africa Amai Lindiwe Sisulu vanoti vari kuda kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe uye vanoti vari kutaurawo nehurumende yeZimbabwe nenyaya yairi kupomerwa yekutyora kodzero dzevanhu.

Vanoongororo nyaya dzezvematongerwo enyika VaWelcome Zimuto vanoti hukama hweZimbabwe neSouth Africa hunongobatsira VaRamaphosa nenyika yavo kunyanya.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaWelcome Zimuto