VaChiwenga neMudzimai Wavo Vorapwa kuSouth Africa

  • Blessing Zulu

VaConstantino Chiwenga nemudzimai wavo Amai Mary Chiwenga

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika General Constantino Chiwenga vari kurapwa kuchipatara chekuSouth Africa pamwe nemudzimai wavo Amai Mary Chiwenga.

Mutevedzeri wemunyori wedare remakurukota uye vari mutauriri wevatungamiri venyika VaGeorge Charamba vatenda kubepanhau reHerald kuti VaChiwenga vari kurapwa vachiti vakakuvara pakaputika rinofungidzirwa kuti ibhambo kuWhite City Stadium muna Chikumi.

VaCharamba vanotiwo VaChiwenga vakambokuvarawo munguva yehondo zvopa kuti hutano hwavo husamire zvakanaka.

Rimwe gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika VaSibusiso Moyo vari kurapwawo kuSouth Africa kwavakaendeswa zvechimbi chimbi varwarisa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemhuri yavo vanopotawo vachienda kunorapwa kunze kwenyika kana varwara.

Asi chii chinopa kuti vatungamiri venyika vaende kunorapwa kunze kwenyika? Vaimbova gurukota rezvehutano vari nhengo yeMDC Dr Henry Madzorera vanoti hurumende yakundikana kugadzirisa zvinhu muzvipatara nenyaya yekusapa bazi rezvehutano mari yebhajeti inokwana.

Chiremba Dr Rutendo Bonde vanotiwo zvipatara zvakawanda hazvina mishonga zvopa kuti varwere vaomerwe nehupenyu.

Asi Zimbabwe handiyo chete nyika ine dambudziko revatungamiri venyika vanoenda kunorapwa kunze kwenyika. Muna 2011 vaive mutungamiri wenyika yeZambia VaMichael sata vakashaikira kuchipatara cheKing Edward VII’s kuBritain.

Mumwe aimbova mutungamiri weZambia zvekare VaLevy Mwanawasa vakashaikira kuFrance mushure mekurwarawo variko. Vaimbova mutungamiri weEthiopia VaMeles Zenawi vakashaika vari kuBelgium.

Vaive mutungamiri weGuinea Bissau VaMalam Bacai Sqnhq vakashaikira kuFrance. Vanoongorora nyaya dzezvehutano vanoti zvose izvi zvinokonzerwa nekusarongeka munyaya dzezvehutano kwevatungamiri venyika dzemuAfrica.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu