VaChamisa Votaura paGungano rePTUZ Vachiti Varairidzi Vapihwe Zvikwanisoro

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa nevatungamiri vePTUZ nevamwe vanorwira kodzero dezevanhu

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa nhasi vange vari munyarikani pagungano reCongress rerimwe sangano revarairidzi rePTUZ. Gungano iri riri paBelvedere Teachers College muHarare.

VaChamisa vati vane muono wekuti Zimbabwe ive nyika ine dzidzo yakasimba kwete kuti ive nyika ine vanhu vanoenda kunotsvaga mafuro manyoro kune dzimwe nyika iyo ichitambura.

Vatiwo zvakakosha kuti dzidzo iwaniswe mari yakawanda mubhajeti asi vakati izvi zvinokanganiswa nehuori hwatekeshera munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Nelson Chamisa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanogara havo vachiti hurumende yavo iri kurwisa huori. Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi.

Mutungamiri wePTUZ Doctor Takavafira Zhou vanoti vakadaidzawo hurumende kucongress yavo kuburikiidza nemunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana. Asi VaMangwana vati Havana kunge vaona tsamba iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro NaVaTakavafira Zhou