VaChamisa Voshora VaMnangagwa neKuti Vanhu Vagare Mudzimba Vasina Chekudya

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vari kushora zvikuru mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti havana gwara rakanyatsojeka pakurwisa chirwere checoronavirus.

Vachitaura kumhuri yeZimbabwe neMugovera, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati vanhu vachagara mumba kwenguva yavasina kutara asi vachivimbisa kuzeya mamiriro ezvinhu mumavhiki maviri.

Your browser doesn’t support HTML5

Mashoko emutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Asi VaChamisa vanoti kungoti vanhu vagare mudzimba pasina kuvapa zvekuti vadye iyo nyika yakatarisana nenzara inotyisa hazvina zvazvinobatsira. Vakurudzirawo hurumende kuti isimbaradze nyaya yekuvheneka vanhu hutachiona kwete kungosunga uye kumbunyikidza vanhu.

VaChamisa vatiwo vanhu vakawanda munyika vave kunonga svosve nemuromo sezvo vachirarama nekuzviitira mabasa emaoko asi vave kunzi vagare mudzimba pasina rubatsiro kubva kuhurumende sezviri kuitwa kunyika zhinji parizvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.