VaChamisa Voshora Amai Muchinguri Kashiri paNyaya yeCoronavirus

VaNelson Chamisa

Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa vashanyira chipatara cheWilkins muHarare icho chinorapwa vanenge vabatwa nezvirwere zvekutapurirana zvakaita secoronavirus.

Vachitaura neStudio 7 pavapedza kushanyira chipatara ichi, VaChamisa vashorawo gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri zvekuti vakabatwa necoronavirus vari kurangwa nekuda kwekutemera Zimbabwe zvirango. Vati mashoko aya anoratidza kushaya hany'a nerufu rwevanhu.

Hatina kukwanisa kubata Amai Muchinguri Kashiri kuti tinzwe divi ravo asi vakataura mashoko aya kuMashonaland West nemusi weSvondo.

VaChamisa vanoti vari kuda kuti makanzuru ose ari pasi pebato ravo aite gadziriro yepamusoro soro kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Pavashanyira chipatara ichi, VaChamisa vachiperekedzwa nameya weguta reHarare VaHerbert Gomba.

.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa