WASHINGTON —
Mutungamiri weMDC Alliance VaNelson Chamisa nemusi weSvondo vakashanyira chikoro chevana vasingaone cheJairosi Jiri chinonzi Kadoma School for the Blind.
Pakava nemufaro mukuru apo VaChamisa vakapa vana ava rubatsiro rwemari nechikafu.
VaChamisa vakavimbisa kuti vacharamba vachishanda nechikoro ichi. Chikoro ichi chakaumbwa mugore ra1964 uye chakazoendeswa kuKadoma muna 1981. Chine vana mazana maviri.