VaChamisa Vopomera Vasori Mhosva yeKuda Kuvapamba Kana Kuvaita Kafiramberi kuMabvuku

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaNelson Chamisa vanoti pane vanhu vange vachida kuvaita kafiramberi kana kuvapamba vavanofunga kuti vasori nhasi kuMabvuku.

VaChamisa vange vachibva kumusangano kuMarondera uko kwauya zviuru nezviuru zvevanhu.

Pamusangano uyu VaChamisa vange vambotaura kuti pane vanhu vari kufamba vachivatevera nepfuti vavanofungidzira kuti vasori kana kuti nhengo dzeMilitary Intelligence.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti hupenyu hwavo hwange hwapinda panjodzi vasati vati titaure nemutauriri webato ravo VaJacob Mafume.

VaMafume vaudza Studio 7 kuti mushure mekuona kuti vari kuteverwa nemota kubva kuMarondera dzange dzichimhanya zvakanyanya, vanochengetedza VaChamisa vabva vafunga kuenda kumapurisa ekuMabvuku ndokubva motokari dzavo dzavharirwa nemotokari dzange dzichivatevera idzi.

Mutyairi wemotokari yaVaChamisa anonzi akuvara ruoko mushure mekusvetuka mumotokari apambwa.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hatinawo kukwanisa kubata mukuru wevasori VaIssac Moyo kana gurukota rezvevasori VaOwen Ncube sezvo vose vange vasiri kudaira nharembozha dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurkuro naVaJacob Mafume