VaChamisa Voita Misangano Mikuru kuBritain

VaNelson Chamisa

Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T uye vari mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, nevamwe vatungamiri vari mumubatanidzwa wavo vari kuBritain uko vari kuenderera mberi nekuita misangano nevakuru muhurumende iyi, vanopikisa uye vemabhizimisi.

Nezuro manheru VaChamisa, nevamwe vavo vari muMDC Alliance vanosanganisa VaTendai Biti, naVaDavid Coltart vakaita misangano nevamwe vakuru vehurumende yeBritain avo vasina kuda kudoma nemazita. VaBiti vaudza Studio 7 kuti vari kutambirwa zvakanaka nevakuru vakuru muhurumende yeBritain.

VaChamisa vakatambirwa zvine mutsindo nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain kumusangano mukuru wavakaita kuBedford Jubilation Centre nemusi weSvondo. VaChamisa vakabata nyaya dzakawanda pamusangano uyu kusanganisa nyaya dzehupfumi uye dzesarudzo.

Mumwe mutsigiri webato iri, VaRufaro Masango, vanoti vakafadzwa zvikuru nemashoko aVaChamisa.

Vanhu vakawanda vakauya kumusangano uyu vairatidza kufarira zvakataurwa naVaChamisa uyezve vari kuti ngakugadziriswe nyaya yediaspora voting kuti vavhote vari kunze kwenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Ezra Sibanda

Zvichakadaro nyanzvi munezvamatongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Huddersfield kuBritain, Doctor Nkululeko Sibanda, vanoti zvirongwa zvaVaChamisa zviri kutambirwa nevakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Nkululeko Sibanda