VaChamisa Vochema VaDabengwa Vachiti Vaive Gamba Chairo

  • Blessing Zulu

VaDumiso Dabengwa, VaNelson Chamisa naVaWelshman Ncube

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMovement for Democratic Change, VaNelson Chamisa, vati nyika yarasikirwa zvikuru nekushaya kwemutungamiri webato reZAPU, VaDumiso Dabengwa.

VaDabengwa vashayikira kuNairobi, Kenya vari munzira kuenda kumusha vachibva kunorapwa kuIndia.

Vange vave nenguva yakareba vachirwara.

VaChamisa vati VaDabengwa igamba renyika zvisina mubvunzo vakati chaiva chipangamazano chaipanga pasina kutarisa kuti munhu abva kubato ripi.

Gore rapera, VaDabengwa vakabuda pachena vachiti vaitsigira VaChamisa musarudzo yemutungamiri wenyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa

Mashoko aya atsinhirawo nemunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, avo vati hurumende inoremekedza zvikuru mabasa akabatwa naVaDabengwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNick Mangwana

Vatiwo hurumende yange ichivabatsira pavange vachirwara semunhu akarwira nyika uye aimbova gurukota rehurumende.

Vachitaurawo neStudio 7, VaMax Mkandla, avo vakashanda naVaDabengwa kuZipra munguva yehondo, vati vaive munhu ainge akazvipira kubatsira vanhu.

Vaive nhengo yeZANLA High Comman munguva yehondo, VaBernard Manyadza, vatiwo VaDabengwa vainge vari munhu aida kuti vanhu vabatane munyika kuzadzikisa zvakarwirwa hondo yeChimurenga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBernard Manyadza naVaMax Mkandla