VaChamisa Vanoti muNyika Munoda Nhaurirano dzeChokwadi neKuti Zanu-PF Yoremerwa

  • Blessing Zulu

vaNelson Chamisa

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa vanoti munyika mave kuda kuitwa nhaurirano sezvo zvinhu zvaramba zvakaita manyama amire nerongo munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.

Mitengo yezvinhu iri kuramba ichiitachamurambamhuru uye vakawanda vave kunonga svosve nemuromo.

Mashoko aVaChamisa aya anotevera mashoko akataurwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa ekuti VaChamisa vakaramba kuti bumbiro rivandudzwe kuti vapihwe chiremerachekuti vaite mutungamiri webato rinopikisa mudare reparamende senzira yekutanga nhaurirano.

VaMnangawa vakataura mashoko aya aponyika yaipemberera zuva rekuzvitonga kuzere panhepfenyuro yeZBC.

Asi VaChamisa vanoti havawirirane nenyaya yekungopihwa ivo chigaro asi mhuri yeZimbabwe ichitambura.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMngangagwa vaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa