VaBiti Voparura neChina Hurongwa hweBhajeti ra2011

  • Blessing Zulu

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vari kutarisirwa neChina kuparura hurongwa hwekushandiswa kwemari gore rinouya, hwe 2011 National Budget.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti budget iyi ichange yakaomera VaBiti nekuti mari iri kupinda munyika ishoma zvikuru.

Bhajeti raVaBiti riri kutarisirwa kunge riri paUS$2,5 billion kubva paUS$2,25 billion gore rino.

Gurukota rezvemari rinotiwo riri kutarisira kuti hupfumi hwenyika hukwire nezvikamu zvisere nechimwe kubva muzana, kana kuti 8,1% gore rino, uye nezvikamu gumi kubva muzana gore rinouya 10%.

Asi bhanga rinokweretesa nyika mari pasi rose reInternational Monetary Funda rinoti rinoona hupfumi huchikwira ne2,2% chete kana kuti zvikamu zvisingapfuure zviviri gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti VaBiti vakaomerwa nekuti nyika haina mari nenyaya yekutadza kukwezva vekunze.