Bhanga guru repasi rose, re World Bank, raisa parutivi mari inodarika mabhiriyoni makumi manomwe yekubatsira nyika dzemu Africa. Nyika idzi dzichapihwa mari iyi iri yechikwereti.
Asi Zimbabwe inonzi haisi panyika dzichawana rubatsiro rwemari iyi kubva kubhanga guru repasi rose.
World Bank inoti Zimbabwe haina kunyatsojekesa gwara rehupfumi rairi kuda kutora. Bhanga iri rinoti rinoda kuti Zimbabwe igadzirise nyaya yevashandi vayo vakawandisa, uye kuti cari kubhadharwa mari pasina basa ravari kuita, kana kuti ghost workers, vabviswe pamazita evanhu vari kutambiriswa mari nehurumende.
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vari kutarisirwa kuita misangano nevakuru vakuru veWorld Bank muWashington kutanga neMuvhuro.
VaBiti vanoti kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika ndiko kwave kukakangisa kuti Zimbabwe ibatsirwe nebhanga guru repasi rose.
VaBiti vanotiwo vari kutarisirwa kuita musangano nemunyori munyaya dzezvekudzidzana kweAfrica neAmerica, Assistant Secretary for the Bureau of African Affairs, naVaJohnnie Carson.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Reseach Institute of Zimbabwe, vanoti havaone VaBiti vachibudirira parwendo rwavo.