VaBiden Votarisirwa Kudoma Nhengo dzeBazi Ravo rezveHutano Asi VaTrump Vachingopikisa Sarudzo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Vakasarudzwa kutungamira nyika yeAmerica kutanga musi wa20 Ndira, VaJoe Biden vebato remaDemocrats vari kutarisirwa neChipiri kudoma vaive gweta guru redunhu reCalifornia VaXavier Becerra kuti vave gurukota ravo rezvehutano.

VaBecerra vari kutarisirwa kutungamira hurongwa hwekuti varombo kunyanya vakwanisewo kubatsirwa kana varwara pasi pechirongwa chakatangwa nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama asi chiri kuda kubviswa nemutungamiri wenyika VaDonald Trump avo vakakundwa musarudzo naVaBiden.

Vakatambirwa nedare reSenate, VaBeccera vachave munhu wekutanga anova muLatino kutungamira bazi rezvehutano kana kuti Department of Health Services. Bazi iri rine bhajeti inodarika trillion imwe chete yemadhora uye iine vashandi zvuru makumi masere.

VaBiden vari kutarisrwawo kudoma Dr. Rochelle Walensky vanodzidzisa kuHarvard semutungamiri webazi rinoona nezvekudzivirirwa kwezvirwere kana kuti Centers for Disease Control and Prevention kana kuti CDC.

VaBecerra pavaive nhengo yedare reparamende yeHouse of Representatives muna 2009 na 2010 vakashanda kuona kuti hurongwa hwaVaObama hwekubatsira vanoshaya kana kuti Obamacare sekudaidzwa kunoitwa Affordable Care Act hwatambirwa nedare iri.

VaBaccerra ndivo vari kutarisrwa kutungamira hurongwa hwekurwisa kupararira kwechirwere cheCoronavirus icho chabata nekuuraya vanhu vakawandisa muAmerica kudarika dzimwe nyika. Muzvinabhizimisi VaJeff Zients vari kutarisirwa kudomwa semutungamiri wemabasa ekurwisa chirwere cheCovid-19 kumuzinda weWhite House.

Dr Vivek Murthy vari kutarisirwawo kudomwa sechipangamazano chaVaBiden avo vari kuumba chikwata chakasimba mugadziriro yavo yekutora masimba.

VaBiden vari kusimbisa bazi reCDC iro rainge radzikisirwa masimba naVaTrump vasina kufara kuti zvaraitaura nezveCOVID-19 zvainge zvakasiyana nezvavaitaura sezvo bazi iri rakatanga kuyambira kuti chirwere ichi chinogona kuuraya vanhu vakawanda asi VaTrump vachiti America yainge yakagadzirira.

VaTrump vari kuendererawo mberi vachiita misangano vasingakurudzire vanhu kuti vazvidzivirire kubva kuCovid zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehutano dzakaita saDr Simbiso Ranga dziri kuti izvi zvave kupa kuti kudzivirira chirwere ichi kunetse.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDr Simbiso Ranga