Mutungamiri wenyika, VaMorgan Tsvangirai, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, zvinofanirwa kudzokera kumusha, kuitira kuti vabatsire mukusimudzirwa kwenyika.
Vachiparura neChina musangano wemazuva maviri uri kuitirwa muCape Town, kuSouth Africa, Va Tsvangirai vakati Zimbabwe inosimukira chete, kana vana vayo vose vari munyika dzakasiyana siyana vakadzoka kunoshandira nyika.
Va Tsvangirai vakatiwo nhaurirano dzezvematongerwe enyika dziri kuenderera mberi pakati pe MDC ne Zanu-PF, kunyange hazvo pasina zviri kuonekwa neveruzhinji zvawiriranwa.
Musangano uyu uri kupindwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, uye uri kutarisa zvingaitwe nevanhu vari kunze kwenyika, kuitira kuti vasimudzire nyika yavo.
Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, Va Arthur Mutambara, mumwe wevanhu vataura pamusangano uyu. VaMutambara vanotiwo zvimwe zvizvarwa zve Zimbabwe zvinofanirwa kudzokera kumusha, uye zvimwe zvichisara zviri munyika dzekunze zvichibatsira kusimudzira nyika zviri munyika mazviri.
VaMutambara vatiwo chishuwo chavo chekuti hurumende ipe munhu wese mukana wekuva chizvarwa chedzimwe nyika, sezvo izvi zvichibatsira zvikuru mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika