VaRomney Vokwikwidzana naVaObama Muna Mbudzi

  • Jonga Kandemiiri

VaRomney Vachitaura kuTampa

Musangano mukuru webato reRepublican remuAmerica, uyo uri kuitirwa kuTampa, kuFlorida, wapinda muzuva rechitatu vachakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika vakamirira bato iri, VaMitt Romney, vachitarisirwa kupa mashoko avo ekutambira kudomwa kwavo manheru.

NeChitatu, VaPaul Ryan, vakapawo mashoko avo ekutambira kudomwa kwavo mushure mekunge vadomwa zviri pamutemo neChipiri semunhu achakwikwidza pamwe naVaRomney, avo vachakwikwidzana nemutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, veDemocratic Party.

Bato iri riri kushoropodza pachena zvirongwa zvehurumende yaVaObama, kunyange hazvo iro bato reRepublican riri kushoropodzwawo nedanho raro rekuda kushandura chirongwa chekubatsira vanorarama nehurwere, cheMedicare, uye kuda kudimura zvimwe zvirongwa zvemararamiro evanhu.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvinoti zvinoyemura mafambiro ari kuita musangano mukuru webato iri, sezvo pasina kana mhirizhonga kubva kumapurisa kana vebato rinopikisa.

Vanodzidzisa zvidzidzo zvekutora nhau paIndiana University of Pennyslvania, Professor Stan Mukasa, vanoti mapato ezvematongerwo enyika emuZimbabwe anokwanisawo kudzidza zvakawanda kubva kumisangano yakadai.

Vanoongororawo zvematongerwo enyika vakazvimirira, uye vakaita zvidzidzo zvepamusoro soro muAmerica, VaLeonard Marimbe, vanotiwo Republic Party yakaita zvakanaka nekudoma VaRyan, vanowe vechidiki, semutevedzeri waVaRomney, zvisiri kuitika mubato rakaita seZanu PF muZimbabwe.

Bato raVaObama riri kutarisirwa kuitawo musangano waro mukuru uyu svondo rinouya kuNorth Carolina.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naProfessor Stan Mukasa naVaLeonard Marimbe