America Inobatsira Masangano Akazvimirira neMari Inodarika Zviuru Mazana Mana eMadhora

US Ambassador Brian Nichols

America inoti yapa rubatsiro rwemari inodarika mazana mana nemakumi maviri ezviuru zvemadhora iyo ichabatsira matunhu akasiyana-siyana munyika.

Mari iyi yapihwa kumasangano gumi nematanhatu anoshanda akazvimiririra mumatunhu akasiyasiyana pasi pechirongwa cheAmbassador' Self Help Grants.

Sangano rinomiririra vagari vemuGweru, reGweru Residents Forum, rapihwa mari yekutanga chirongwa chekupfuya huku pamwe nekuti vakwanise kuvakira vagari vekuMtapa zvimbuzi.

Vachitaura mushure mekuwana mari iyi, mukuru we Gweru Residents Forum, VaCharles Mazorodze, vati vakaona kuti vagari vanga vasiri kukwanisa kubhadhara mitero yavo kukanzuru saka vachange vachiita basa rekupfuya huku vachidzitenbgesa kuitira kuti vawane mari.

Sangano reZimbabwe Community Development Association rapihwa mari inoita mazana maviri nemakumi mashanu ezviuru zvemadhora ichange ichishanda kumatunhu akaita seMutasa, Nyanga, neBuhera.

Mukuru weZimbabwe Community Development Association, VaCamilious Machingura, vati vachange vachidzidzisana nemadzishe kuti vabate mabasa pasina rusarura pamwe nekusimudzira kodzero dzemadzimai nedzevana.

Vanoona nezvezvirongwa muJesuits Refugee Service, VaKenias Sarireni, vaudza Studio7 kuti pamari yavapihwa, vari kuzoishandisa kudzidzisa vapoteri zana nemakumi maviri vari kuTongogara Refugee Camp mabasa emaoko kuti vakwanise kuzviriritira.

Vachitaura pachirongwa chekuzivisa vari kupihwa mari yerubatsiro iyi, mumiririri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian A. Nichols, vati chinangwa chavo ndechekusimudzira vagari vemuZimbabwe kuti vave nehupenyu huri nani.

Mamwe masangano awanawo rubatsiro anosanganisira Rujeko Home Based Care, Southern Africa Crises Management Agency, Sped Grace Community Development Trust nemamwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Rutendo Mawere