United Nations Yobatsira Vapoteri veZimbabwe Vodzingwa kuBotswana

VaEmmerson Mnangagwa naVaMokgweetsi Masisi

Sangano rinorwira kodzero dzevapoteri pasi rose reUNHCR kumaodzanyemba kweAfrica rinoti riri munhaurirano nehurumende yeBotswana dzekutsvaga nzira yekupedza dambudziko rakasangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muhupoteri muBotswana.

Pane vapoteri mazana matatu nemakumi manomwe kusanganisira vana vadiki vari kutsika madziro munyaya yekuti vazvipire kudzoserwa kumusha muchirongwa chevoluntary repatration vachiti kuZimbabwe kwakaberekera ingwe.

Kunyangwe hazvo hurumende yeBotswana yaiti bazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika iyi richavaita musengabere mushure mekudzosera vamwe vavo mazana mana nemakumi maviri kubva munaZvita kusvika pakati kwemwedzi uno, vapoteri ava vari kuramba vakamira semusambangwena.

Muzvare Heinn Shin, avo vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reUNHCR, vaudza Studio7 kuti vari munhaurirano nehurumende yeBotswana senzira yekutsvaga pundutso panyaya iyi.

Muzvare Shin vaenderera mberi vachiti vapoteri ava, vane makore anopinda gumi vari muhupoteri pamuzinda weDukwi Refugee Camp muBotswana, vhavasi kufara nekuda kudzoserwa kumusha nechisimba.

Sezvo Botswana yakaisa ruoko rwayo pachibvumirano chekuchengetedza kodzero dzevapoteri che1951 UN Refugee Convention, Muzvare Shin vanoti nyika iyi inosungirwa kupa zvizvarwa zveZimbabwe hupoteri vachiti kusadaro kumbunyikidza kodzero dzevapoteri nokuti hupenyu hwavo hunogona kupinda munataisireva kana vakadzoserwa kunyika yavo.

Vachitsigira mashoko aMuzvare Shin, gurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika yeBotswana, VaKagiso Mmusi vanoti hurumende yavo haisikudzosera kumusha avo vasiri kuda nechisimba kumusha.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe icho chiri muhupoteri, Amai Toendepi Mverechena vaudza Studio 7 kuti vakanzwawo nerunyerekupe kuti sangano reUHNCR riri kutaurirana nehurumende yeBotswana kuti vatsvagirwe kwavangaendeswe.

Vachitsigira mashoko aAmai Mverechena, mumwe ari muhupoteri achibva kuZimbabwe uyo asina kuda kudomwa nezita sezvo achitya kubvongodza muto kuseva achada, anoti kupindira kweUNHCR munyaya yavo kwaunza kugadzikana muhana dzevazhinji sezvo hurumende yeBotswana yati dzikamei.

Pari zvino, paDukwi Refugee Camp pasara vapoteri zviuru zviviri chete zvinosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe, Somalia, Uganda, Burundi nedzimwewo nyika dzekumabvazuva kweAfrica.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo