United Nations Inoti Kushandisa Mauto Hakugadzirise Dambudziko reZimbabwe

  • Blessing Zulu

Zvinhu munyika hazvina kugadzikana munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika izvo zvopa kuti mauto nemapurisa agare akadzipakatira achiti vanhu vave kuda kupodigura hurumende nechisimba.

Kusagadzikana kwezvinhu munyika kuri kuuya apo United Nations iri kushorawo hurumende yeZimbabwe nekushandisa mauto kana vanhu vachiratidzira zvainoti kutyorwa kwekodzero dzevanhu.

United Nations kuburikidza nenhumwa yayo yakashanya kuZimbabwe VaClément Nyaletsossi Voule inoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kugadzirisa mamiriro ezvinhu munyika zvikuru nyaya dzezvehupfumi kwete kushandisa mangoromera.

VaVoule vakashanya munyika gore rapera mushure mekukokwa nehurumende vakazotura mashoko aya kuUnited Nations mavhiki adarika.

Asi mumiriri weZimbabwe kuUnited Nations VaTaonga Mushayavanhu vanoti United Nations iri kutema yakarerekera rimwe divi.

Vamwe vanopikisa nemasangano akazvimirira varonga kuratidzira musi wa 31 Chikunguru kunyangwe nyika iri pakati pekurwisa chirwere checoronavirus vachiti havasi kufara nehuori hwavanoti huri kuitwa nehurumende.

Kunyangwe hazvo mutungamirin webato reTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume vari ivo vakaronga kuratidzira uku, MDC Alliance vakatiwo vari kutsigira hurongwa uhu.

Mutevedzeri wemunyori wezvematunhu muMDC Alliance VaJacob Mafume vanoti muZimbabwe hamuna zvinobatsika zvinoitika kana nyaya yezvematongerwo enyika isina kugadziriswa nekuita sarudzo dzakachena.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti sarudzo dzakaitwa kare nekudaro hapana nhaurirano dzinodiwa zvekare.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume naVaTafadzwa Mugwadi