Mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, nemutungamiri weNorth Korea, VaKim Jong Un, vaita musangano mukuru kuSingapore, uyo unonzi unopinda munhoroondo yekuedza kudyidzana kwenyika mbiri idzi idzo dzanga dziri makara asionani.
Musangano mukuru uyu wanga wakanangana nekuti VaTrump vakurudzire mutungamiri weNorth Korea uyu kuti nyika yake isiyane nehurongwa hwayo hwekugadzira zvombo zvehondo zverudzi rwe nuclear.
Vachitaura nemutori wenhau, Greta Van Susteren, mushure memusangano uyu, VaTrump varumbidza VaKim vachiti munhu akasununguka, akangwara uye anogona zvehurukuro.
Vachipindura mubvunzo wekuti vakurukura here nezvekodzero dzevanhu, uye kuti VaKim vati kudii nenyaya iyi, VaTrump vati nguva yavo huru yemusangano uyu yapera vachikurukura nezvekuti North Korea imire kugadzira zvombo zvehondo.
Asi vati vabatabatawo zvimwe zvakawanda, kusanganisira nyaya dzekodzero dzevanhu, uye nyaya yekudzoswa kumusha kwemapfupa evakafira kuhondo ndechimwe chikuru chavakurukura. Vatiwo izvi vazviisa mugwaro ravasainirana uye zvaitika izvi zvanga zvisingatarisirwi nevakawanda.
Panyaya yekuti chii chaita kuti VaKim vabvume kupinda munhaurirano idzi rwendo rwuno mushure mekutyisidzira nehondo, VaTrump vati havafungi kuti panga paine kutyisidzira kukuru, asi semaonero avo, vanhu vanga vasingangode kutaura nezvazvo chete.
Asi vati vanofunga kuti nzira dzavakashandisa mukukwezva North Korea kunhaurirano dzakashanda, kunyange hazvo pane vamwe vaifunga kuti vaikanganisa nekuita izvi.
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nerzvekudyidzana nedzimwe nyika, Vakindness Paradza, vanoti vanofunga kuti musangano wevatungamiri vaviri ava wakakoshera pasi rose, sezvo nyika zhinji dzisisade zvehondo.
Vatiwo kudyidzana kweAmerica neNorth Korea kwakanakirawo Zimbabwe sezvo yagara ichiwirirana neNorth Korea, iyo yanga ichionekwa senyika inodzvanyirira vanhu vayo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaKindness Paradza
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari nhengo yesangano reZimbabwe citizens Initiative, VaPromise Sande, vanotiwo musangano wevatungamiri vaviri ava wakakosha zvikuru sezvo North Korea yave kudawo kudyidzana nedzimwe nyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaPromise Sande