Sulumani Chimbetu Oronga Kuenda kunoridza naTongai Gwaze kuBritain

  • Blessing Zulu

Sulumani naGwaze

Muimbi wemusambo weDendera, Sulumani Chimbetu ari kurumbidzwa nevanhu vakawanda munyika mushure mekunge abatsira mumwe muimbi akaremara Tongai “Greatman” Gwaze wekuMhangura, Mashonaland West kuti aburitse dambarefu rake.

Tongai naSulumani vakabva vaimba vose pane kambo kanetsa kanonzi, “Pandakazvarwa” kanotaura nezvematambudziko anosangana nevana vakaremara.

Sulu anoti ane hurongwa hwekuenda naTongai Gwaze kuBritain gore rinouya uko anenge achiridza.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naSulumani Chimbetu