South Africa Yozeya Nzira dzeKuti Zimbabwe Yobuda Sei Mukanwa Mamupere

  • Blessing Zulu

VaCyril Ramaphosa naVaEmmerson Mnangagwa

Nhasi bazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa raita musangano muPretoria wange wakanangana nekuzeya matambudziko ari muZimbabwe uye kuti angagadziriswe sei.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa Amai Naledi Pandor vanoti South Africa inofunga kuti vana veZimbabwe vakabatana vanokwanisa kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika yavo vavakidzani vozongobatsirawo zvishoma.

Mashoko aya atsinhirwa nemumiriri weZimbabwe kuSouth Africa VaDavid Hamadziripi avo vange vari mumwe munyarikani pagungano vatambirawo mashoko aAmai Pandor ekuti zvirango zvavati zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaArthur Mutambara


Vaive mutevedzeri wemutungamiri wehurumende yeZimbabwe Muzvinafundo Arthur Mutambara vange vari pamusangano uyu vatiwo zvakakosha kuti zvirango zvibviswe asi Zimbabwe inofanira kutanga yazvichenura nekuita zvido zvevana vayo vose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaArthur Mutambara

Vamwe vataura pamusangano uyu vanosanganisiri mukuru wechikoro cheUNISA VaMandla Makhanya uye VaSomadoda Fikeni vepaUNISA zvekare, VaPhilani Mthembu veInstitute for Global Dialogue, VaShingirirai Mutanga veAfrica Institute of South Africa, VaPhilani Mthembu veInstitute for Global Dialogue, VaShingirirai Mutanga veAfrica Institute of South Africa