Mutungamiri weSouth Africa Anozivisa Kuti Akabatwa neDenda reCovid-19

Mutungamiri weSouth Africa, President Cyril Ramaphosa, nemudzimai waVaFW de Klerk

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nezuro vakazivisa kuti vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Vachinyora paTwitter pavo, hofisi yaVaRamaphosa yakati VaRamaphosa vari kuzorora zvakanaka muguta reCape Town uye kuti, kwesvondo rino, vaisa basa rekutungamira nyika mumaoko emutevedzeri wavo, VaDavid Mabuza.

VaRamaphosa vanonzi vakabayiwa nhomba dzavo dzose dzeCovid-19 asi vakatanga kusanzwa zvakanaka nezuro zvichitevera gungano ravakaenda rekurangarira vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaFW de Clerk.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vachidzidzisa paTswane University of Technology, muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Mukonza, vaudza Studio 7 kuti zvaitwa naVaRamaphosa, zvokukurumidza kuzivisa vanhu venyika yavo pamusoro pedambudziko iri, chidzidziso chikuru kune vamwe vatungamiri vanoudza vanhu nhema vachivanza zviri kuitika, vachiti zvaitwa naVaRamaphosa zvichabatsira mukudzidzisa nemukukurudzira vanhu vemuSouth Africa kuti vabayiwe nhomba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Ricky Mukonza