Vanotevera Nhabvu Vorwadziswa neZvikwata zvekuAfrica Zviri kuWorld Cup

  • Jonga Kandemiiri

Muongorori wemutambo wenhabvu Brian Musekiwa

Vatsigiri venhabvu vari kutevera zvikwata zveku Africa zviri kumakwikwi eWorld Cup kuRussia vari kuramba vachirwadziswa mwoyo mushure mekunge chimwe chezvikwata zvaitarisirwa kuti zvingangorwisa kudarika zvimwe, cheTunisia, charohwa 2-1 neEngland mumutambo wacho wekutanga muGroup G wakatambwa neMuvhuro.

Mune mumwe mutambo weGroup G, Belgium haina kunetseka zvakanyanya kurova Panama, iyo yayakadambura nezvibodzwa zvitatu Panama yakakundikana kana kukanda kematandanyadzi.

Mumwe mutambi wenhabvu uye ari muongorori wemutambo uyu, Brian Musekiwa, anoti tarisiro yevatsigiri venhabvu muAfrica iye zvino yasarira paSenegal, iyo iri kusangana nePoland neChipiri mumutambo wayo wekutanga muGroup H.

Musekiwa, uyo anogara muGaithersburg muMaryland muAmerica, anoti pamutambo weTunisia neEngland, Tunisia yakamboedza kurwisana neEngland, asi vatambi vayo vakazovarairwa munguva dzekupedzisira kwemutambo, izvo zvakapa shasha yeEngland, Harry Kane mukana wekunwisa chibodzwa chake chepiri nemusoro.

Anoti pamutambo weSenegal anoona chikwata ichi chichibudirira sezvo chiine vatambi vakasimba, vanokwanisa kushandisa kusimba kwemiviri yavo mukudzivirira vatambi vePoland kuti vasarura, izvo zvaanoti zvinozopa Senegal mukana wekukunda nechibodzwa chimwe chete.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naBrian Musekiwa