Vatambi veHighlanders Voramwa Basa Vachiti Vanoda Mari Dzavo

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Hidhlanders Bosso

Vatambi vechikwata cheHighlanders vanonzi vari kuenderera mberi nekuramwa kwavo basa zvichitevera kuramwa kwavakaita kuita mitambo yegadziriro neChitatu vachiti vanoda kutanga vabhadharwa mari dzavo dzemabhonasi dzavakavimbiswa kana vachinge vakunda.

Asi vatambi veHighlanders havasi kuda kutaura nevatori venhau pamusoro penyaya.

Asi sachigaro vechikwata che Highlanders, Va Peter Dube, vati ichokwadi kuti vatambi vakaramba kuita mitambo yegadziriro neChitatu uye chikwata chavo chiri kuita zvese zvachinogona kuitira kuti mari yekubhadhara vatambi ava iwanikwe.

VaDube vanoti vatambi vaenda kumahofisi avo neChina kuti vanonzwa mamiriro akaita zvinhu, asi vaudzwa kuti chikwata chavo hachisati chave nemari iyi.

VaDube varamba kutaura kuti imariyi iri kudiwa yekubhadhara vatambi.

Vatiwo zvikwata zvakawanda zvenhabvu zvakatarisanawo nedambudziko rekushaya mari dzekubhadhara vatambi vazvo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVa Peter Dube