Matsotsi Airura kuBotswana Anosungwa neMapurisa

BOTSWANA-POLICE

Mapurisa ekuPlumtree anoti akasunga varume vatanhatu vanga vachiita mabasa ekubata chibharo pamwe nekubira vanhu zvinhu zvavo pamuganhu weZimbabwe neBotswana.

Matsotsi akasungwa aya anonzi aipfuvisa zvizvarwa zveZimbabwe izvo zvaitorerwa nechisimba mari, mafoni, zvekudya pamwe nekubatwa chibharo munzvimbo dzazvinopinda nadzo zvisiri pamutemo muBotswana.

Mukuru wemapurisa epaPlumtree Police Station, Amai Sylvia Mangena, vabvuma kuti matsotsi aya akasungwa nemusi weChina mangwanani.

Varume ava vanonzi vachamiswa pamberi pedare rePlumtree Magistrate Court nemusi weMuvhuro apo vachatarisana nemhosva dzinosanganisira kubata chibharo nekuba.

Muzvare Agnes Rusero, avo vanobva kwaMutare, vaudza Studio7 kuti kusungwa kwechikwata ichi kuchaita kuti vana veZimbabwe vasina magwaro vasungunuke mukufamba.

Muzvare Rusero vaenderera mberi vachiti shuviro yavo kuona vasungwa vachitongwa vobva vapihwa mutongo wehupenyu hwavo hwese mujeri nekuti kushungurudza kwavanoita vanhu kunonzwisa tsitsi.

Nokuda kwekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika, uye kushaya magwaro ekufambisa, zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kupinda muBotswana, nemuSouth Africa zvisiri pamutemo, izvo zvinozoita kuti zvisangane nematsotsi akaita sevarume vakasungwa muBotswana nemusi weChina.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Shingirai Madondo