Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 22, 2017

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 22, 2017

Zimbabwe inorangarira zuva rekubatana kwenyika, kana kuti Unity Day, vamwe vachiti zuva iri harichina chiremera charakanga rinacho makore apfuura.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinotaura pamusoro pezuva re Unity Day, zvariri pari nhasi, uye zvarinoreva kuzvizvarwa zveZimbabwe.

Human Rights Watch inokomekedza hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa kuti igadzirise zvinhu zvitanhatu, izvo zvinosanganisira kuitwa kwesarudzo dzakachena dzinopindwawo nezvizvarwa zvenyika zviri kunze kwenyika, uye kuona kuti mauto nemapurisa, haapindire munyaya dzematongerwo enyika nezvimwe..

Murimi wechichena akanga abviswa nechisimba munguva yehurumende yaiva pasi paVaRobert Mugabe, VaRobert Smart, vanodzokera kupurazi ravo uko vanotambirwa segamba nevashandi vavo pamwe nevanhu vari pasi paMande Tandi.

Muchirongwa cheLivetalk na 8pm, tiri kutarisa zuva reUnity Day.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/