Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 16, 2019.

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 16, 2019.

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Ndira 16, 2019.

Murwiri wekodzero dzevanhu, Pastor Evan Mawarire, vanosungwa nemapurisa zvichitevera mhirizhonga iri kuitika muZimbabwe.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosvika muBelarus vachiti vari kushushikana zvikuru nemhirizhonga iri kuitika munyika.

Sangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights rinoti nhengo dzaro dziri kuwandirwa zvakanyanya nebasa rekurapa vanhu vari kukuvara mumhirizhonga iri kuitika munyika vamwe vacho vachiuya vaine maronda akakonzerwa nemabara epfuti.

Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Lawyers for Human Rights, roenderera mberi nekubatsira nemagweta kuvanhu vari kusungwa mumhirizhonga yakatanga nemusi weMuvhuro.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa kusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika munguva iyo mhirizhonga iri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.