Vatsigiri veMDC nhasi varohwa zvakaomarara nemapurisa anga akapakatira zvombo pamuzinda webato ravo pavanga vakamirira kuturwa kwemashoko emamiriro akaita zvinhu munyika nemutungamiri webato ravo, VaNelson Chamisa.
Hutungamiri hweMDC hunosangana nevakuru vesangano reSADC muBotswana huchivapira mamiriro akaita zvinhu munyika.
Mwaka wekurima unotanga muZimbabwe asi vari mi vakawanda vachiti havana zvinhu zvekurimisa zvakaita sembewu fotereza nezvimwe.
Chikwata chezvizvarwa zveZimbabwe chinozviti Zimbabwe Citiweans chotsvaka mari yekubatsira varwere muZimbabwe panguva iyo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi.
Vatsigiri venhabvu vopemberera kukunda kwakaita Zimbabwe Zambia 2-1 mumakwikwi ekuenda kumafainari e 2021 Africa Nations Cup
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kuunganidza mari yekubatsira vanoshupika kumusha kuitira kuti vaonekwe navana chiremba uye kubatsirwawo kutenga mishonga.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 20, 2019