Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kukadzi, 03, 2022

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vaviri vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika nezuro icho chakabatawo vamwe zana nemakumi matanhatu nemumwe.

Bato idzva reCitizens Coalition for Change rinoti mapurisa emuBulawayo ave kuri shaisa mufaro achida kuzviva hurongwa hwemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa hwekutsvaga rutsigiro muguta iri pamberi pesarudzo dzemaby-elections.

Sangano rinoita zvesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission -ZEC- rinobvuma kuti harina kufambisa zvakanaka chirongwa chekunyoresa kukwikwidza musarudzo dzema by-elections.

Vabereki vochema chema nekuwedzerwa kwemari dzechikoro

Mukuru weSports and Recreation Commission VaGerald Mlotshwa vanoti bhodhi reZIFA rinotungamirirwa nemutungamiri wesangano iri wavakamisa basa VaFelton Kamambo harina simba rekumisa vanhu mabasa.

Nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzozeya kupesana kuri mumapato ezvematongerwo enyika pamberi pesarudzo dzema by-election, uye kunangwa nemamwe mapato anopikisa pamwe neZanu PF kwebato idzva rinopikisa reCitizens Coalition for Change sezvinonzi ndiro rega bato rinopikisa munyika.

Muchirongwa cheLivetalk Women’s Round Table chatinotarisa zviri kusangana nevanhukadzi muhupenyu hwavo na 8pm nhasi tiri kutarisa nyaya yeCovid-19 uye tichataura nemadzimai ari kupinda musarudzo dzemaby-elections.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.