Misoro yenhau, Muvhuro, Zvita, 27, 2021

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Kubatwa kwevakoti navanachiremba nechirwere cheCovid-19 kwoisa hupenyu hwevarwere panjodzi kumashonaland West.

South Africa yazivisa kuti ichachema svondo rino rose Archbishop Desmond Tutu avo vari kutarisirwa kuradzikwa nemusi weMugovera.

Zimbabwe yoenderera mberi negadziriro yemitambo yeAfrica Nations Cup kunyangwe paine mukana wekuti FIFA inogona kuirambidza kuenda nekuda kwekutsika madziro kuri kuita Sports and Recreation Commission kuti idzore pabasa vatungamiri veZIFA vayakadzinga basa.

Muchirongwa cheLive Talk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika pnguva iyo Zimbabwe yakatarisana nedambudziko reOmicron Variant.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.