Imwe nyanzvi munyaya dzezvehutano inoti zvakakosha kuti hurumende iburitse pachena mashandiro ari kuita nhomba dzeCovid-19 nguva dzose.
Bato reZanu PF muManicaland ropomerwa mhosva yekuda kumanikidza kanzuru yeguta reMutare kuti igovere nhengo dzayo misika yekutengesera muguta iri.
Mutungamiri weMDC Alliance, Vanelson Chamisa vanovandudza hutungamiri hwemakomiti eNational Standing pamwe neNational Executive hwebato ravo, danho rinonzi nevamwe kusimbisa bato rinopikisa iri pamberi pesarudzo dza 2023.
Vamwe vagari vakawanda muChinhoyi vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nekanzuru yavo rekurambidza kushandiswa kwezvidhina zvepachuru kuvaka dzimba.
Ghana yodaidza vatambi vose vane mukurumbira pamutambo wakakosha neZimbabwe Warriors weWorld Cup 2022.
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19 icho chopararira zvikuru muzvikoro.
Kana muchida kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.