Vanhu gumi nevatanhatu vakafa nechirwere che Covid-19 nezuro, uye vamwe vanhu mazana matatu nemakumi mana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutaura manheru ano kumusangano weUnited Nations General Assembly.
Chirongwa cheZITF chinovhurwa zviri pamutemo nhasi muBulawayo.
Komisheni yeNational Peace and Reconcialition Commission yoferefeta gakava riripo pakati pevagari vekuChisumbanje nekambani iri kurima nzimbe munzvimbo yavagere.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vokurukura pamusoro pekuumbwa kwebato idzva rinonzi Citizen’s Covergence for Change, kana kuti CCC svondo rino, zita rinonzi neMDC Alliance ndiro rakatanga naro.
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.