Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Mbudzi 23, 2020

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Chirwere cheCovid-19 choramba chichipararira muzvikoro asi hurumende inoti vanhu havafanire kuvhunduka nekuti ine chivimbo chekuti yakaita zvose zvinodiwa kuti chisanyanye kupararira.

Mukuwasha wevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, Simba Chikoore omiswa pamberi pedare achipomerwa mhosva yekuita zvehuori.

Vakasarudzwa kutungamiri America VaJoe Biden vodoma dare ravo remakurukota kunyangwe mutungamiri wenyika VaDonald Trump vachiri kurambna kuti vakakundwa.

Zifa inoti CAF haisati yapindura tsamba yayo yekuramba kutambira kudzingwa kwechikwata cheZimbabwe kumakwikwi eCOSAFA under 17 kuSouth Africa chichinzi chakatambisa mutambi abva zera.

Vakawanda votambira kuvhurwa kwemuganhu weZimbabwe neBotswana kutanga svondo rinouya.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika munyaya dzeCovid-19 pamwe nezviri kuitika musarudzo dzemuAmerica

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.