Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chikunguru 09, 2020

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira neChitatu kusvika pamazana masere nemakumi masere nevashanu, kana kuti 885, vafa vachiri vapfumbamwe.

Zvinhu zvoramba zvakaita manyama amire nerongo muzvipatara zvehurumende zvichitevera kuramwa mabasa kuri kuitwa nevakoti nevamwe vashandi vemuzvipatara.

Kutongwa kwevatori venhau, Frank Chikowore na Samuel Takawira, kunotanga mudare ramajisitireti muHarare. Vaviri ava, avo vakasungwa vachitora nhau pamusoro pemadzimai matatu eMDC anoti akapambwa akatochwa, vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weCovid-19 National Lockdown Regulations.

Komiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto inoshushikana zvikuru nekutadza kwehurumende kubuda nenzira dzinoita kuti dambudziko remafuta edzimotokari ripere munyika

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisadambudziko reCoronavirus iro riri kuramba richikwira munyika

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.