Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 29, 2020

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mwaka wekutengeswa kwefodya watanga nhasi zviri pamutemo, asi varimi vefodya vachichema nemutengo wefodya uyo vati wanga uri pasi, asi hurumende ichiti iri kutarisira kuti mitengo yefodya ichakwira.

Masangano anomirira vagari oshora danho rakaitwa nedare remakurukota rekuti vasina kubhadhara mari dzepavagere mwedzi uno vasadzingwe achiti hurumende haina kuzvipa nguva yekubvunza veruzhinji isati yatora danho iri. Ukuwo maroja ari kutambira nemufaro achiti ave nenguva yakareba asiri kuenda kumabasa kunotsvaga mari.

Vanhu vekuManicaland vochema chema nekushandiswa kuri kuitwa zvematongerwo enyika panyaya yechikafu chiri kupihwa vanhu pachena.

Imwe nyanzvi mune zvehutano, Dr Natsai Zhou-Chidavaenzi, vanoti huwandu hwevanhu vakabatwa pamwe nekuurayiwa nechirwere che coronavirus pasi rose, kusanganisira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, hunogona kunge hwakakura zvichikonzerwa nekuda kwekushaiwa ruzivo pamusoro pechirwere ichi kubva kuvashandi vemune zvehutano pamwe nemakambani avanoshandira.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinorarama nekuita mabhindauko akasiyana siyana muBotswana zvinoti danho rekunyevenutswa zvishoma nezvishoma kwemutemo wekuvharwa kwenyika iyi rinopa kwavari tarisiro yekuti zvinhu zvichanaka munguva pfupi inotevera.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzeCoronavirus.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Kubvumbi 29, 2020