Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 13, 2020.

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vombodimburazve zororo kwezuva rimwe chete kuti vasangane negurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muChina VaWang Yi.

Mukuru wevatongi VaLuke Malaba voparura kutanga kushanda kwematare gore rino vachiti anofanira kutonga asina divi raanorerekera.

Nyaya yekushaya zvitupa nemamwe magwaro yopa kuti vamwe vanhu vashaye chikafu chiri kugoverwa nemasangano akazvimiririra nehurumende.

Mumwe kanzura weZanu-PF oramba mhosva yaari kupomerwa yekuti ari kuita zvematongerwo enyika pakugovera chikafu.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yekuvhurwa kwezvikoro mangwana vabereki vachitatarika kutenga zvinodiwa ukuwo varairidzi vachironga kuramwa mabasa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio 7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 13, 2020