Zimbabwe National Parke Management inoti mitumbi miviri yevanochengetedza mhuka vanofungidzirwa kuti vakaurayiwa nevanouraya mhuka zvisiri pamutemo vanobva kuZambia yaonekwa mudhamu reKariba.
Sangano revadzidzi reZINASU rinoti hurumende inofanira kubuda pachena kuti mari dzechikoro muzvikoro zvepamusoro imarii nekuti zviri kutaurwa nehurumende nezviri kuitwa nezvikoro zvepamusoro zvakasiyana.
Vamwe vanhu vekuMasvingo voenda kunotenga hupfu kuSouth Africa sezvo hwave kushomeka zvakanyanya zvichikonzerwa nenzara uye kunetsana pakati pehurumende nevanogaya hupfu.
Veashandi nevashandi vanoti havaone paide chichamuda mugore ra2020 kana hurumende isina kugadzirisa gwara rehupfumi nekuvawanisa magetsi nemvura.
Muchirongwa chevechidiki cheThe Connection na 8 pm, tine hurukuro nevechidiki nezvendangariro dzegore ra2019 uye zvavari kutarisira mugore rino munyaya dzebudiriro.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Your browser doesn’t support HTML5
Misoro yeNhau, Chipiri, Ndira 7, 2020