Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 06, 2019

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Varwere vakawanda vari kushora zvikuru hurumende nekudzinga kwairi kuita vana chiremba sezvo muzvipatara musina madhokotera akakwana ari kuvarapa. Ukuwo vana chiremba vanoti hapana nhaurirano dzichaitwa pakati pavo nehurumende sezvo yaratidza kusava nehany'a navo.

Mapurisa nhasi atadzisa vashandi vehurumende kuratidzira kwavanga vachida kuita kunyange hazvo vashandi vehurumende ava vakambenge vapihwa mvumo yekuratidzira.

Zuva ranhasi, makore maviri apfuura, vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanodzinga mumwe wevatevedzeri wavo, VaEmmerson Mnangagwa, avo vava mutungamiri wenyika.

Dare rinorasa chikumbiro chaMuzvare Thokozani Khupe chekuti vadzose mudare reparamende.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kudzingwa basa kwakaitwa VaEmmerson Mnangagwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika makore viri apfuura, asi vakazodzoswa neOperation Restore Legacy, iyo yakabvisa pachigaro mwedzi uno makore maviri apfuura, vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Mbudzi 06, 2019