Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 04, 2017

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Nyamavhuvhu 04, 2017

Mapato manomwe ari kupinda mumubatanidzwa weMDC Alliance kuitira kuti vakunde Zanu PF musarudzo dzegore rinouya oita musangano neMugovera wekuparura mubatanidzwa uyu.

Bato rePeople’s Democratic Party rinotungamirwa naVaTendai Biti rinoti richapinda muMDC Alliance kana zvariri kuda zvawiriranwa.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoenda kuIran kunoona mutungamiri wenyika iyi achigadza pachigaro chekutonga nyika iyi.

Mapurisa nemauto anobatana mukuita ongororo yekutsvaga vakakonzeresa mhirizhonga yakaitika pakati pemapurisa nemusi weChipiri

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa hurongwa hwemapato ari kuumba mubatanidzwa weMDC Alliance uyo uchaparurwa mangwana.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu.