Misoro Yenhau Dzedu Dzanhasi, China, Mbudzi 10, 2016

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Nhau DzeShona Studio7

Vagari vemuHarare voratidzira pamahofisi ekanzuru paTown House nhasi vachiti havasi kufara nehuwori hwavanoti hwapfunya chisero mukanzuru yeHarare.

Gurukota rezvekutakurwa kwezvinhu VaJoram Gumbo vanoti kushandiswa kwenjanji mukutakura zvinhu kunofanirwa kuve kwakaenzana nekushandiswa kunoitwa migwagwa.

Vagari vemuChinhoyi vanoti hupenyu huri kuramba huchioma munyika zvekuti vakawanda vavo vave kurarama nekutenga kana kutengesa upfu, mafuta kana usavi hunokwana musi mumwechete.

Muchirongwa chedu cheLivetalk-Woman’s RoundTable na8: 00 pm tiri kutarisa zvakabuda musarudzo yemuAmerica kuti zvinoreveyi kumadzimai.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio 7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.

Munotibata pa 909 am, 4930, kana pa 6065, ne 15460 kilohertzs.

Musakanganwe kutifarira paFacebook nekudzvinya pakanzi Like paVOA Shona.

Your browser doesn’t support HTML5

Misoro yeNhau Dzanhasi China, Mbudzi 10, 2016